Hebrews 8

Kristu mupristi mukuru wesungano itsva

1Zvino shoko guru pazvinhu zvatataura ndirori: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga, 2mushumiri wenzvimbo tsvene, newetabhenakeri yechokwadi Ishe yaakadzika, kwete munhu. 3Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzirwa kubaira zvipo nezvibairo; naizvozvo zvakafanira kuti naye ave nechimwe chaangabaira. 4Nokuti kana aiva panyika, angadai asina kutombova mupristi, vapristi zvavaripo, vanobaira zvipo zvinoenderana nemurairo; 5vanoshumira zviratidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tabhenakeri; nokuti wakati: Chenjera kuti uite zvese zvichienderana nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo. 6Asi ikozvino wakawana ushumiri hwakanyanyisa kunaka, sezvaariwo murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka. 7Nokuti dai iya yekutanga yakange isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri. 8Nokuti achivapa mhosva, anoti: Tarira, mazuva anouya, anotaura Ishe, zvino ndichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. 9Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nokuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, anoreva Ishe. 10Nokuti iyi isungano yandichasungana nayo neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemuhana dzavo ndichainyora; uye ndichava kwavari Mwari, ivo vachavawo kwandiri vanhu; 11uye havangatongozodzidzisi umwe neumwe umwe wake, neumwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nokuti vese vachandiziva, kubva kumudiki wavo kusvikira kumukuru wavo. 12Nokuti ndichava netsitsi pakusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichatongozorangariri. 13Pakuti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga. Zvino chosakarawo chova chakare, chava pedo kurova.

Copyright information for Shona